Show Times
Not Currently Scheduled.About the Show
Musha usina matare chokwadi musha iwoyo wakafa; saka pano paZimunetradio pane chirongwa chechakafukidza dzimba matenga. Pachirongwa chechaka tinokurukura nyaya dzinonetsa mudzimba dzedu, dzinosanganisira zvinonetsa vakaroorana, vakarambana, varikuda kurambana, varikuda kuroorana nezvimwewoka zvinonetsa. Chakafukidza dzimba matenga chirongwa chevabva zera, zvichireva kuti unofanira kuva nemakaore gumi nemasere, vanyarikani moteererawo chiringwa muri pakasiyana, chikodzero chiri chekuti panokurukurwa nyaya dzakadai dzimwe nguva panotaurwa mazwi akarema. Vateereri, chirongwa ichi ndechenyu mose, nokudaro munokurudzirwa kunyorera kuchirongwa, nenyaya dzenyu, zvose zvinokukunetsai, uyezve makasunguka kufonea panguva dzechirongwa muchitipawo pfungwa dzenyu pamusoro pemyaya inenge iri mudaririo. Rangarirai kuti mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa, naizvozvo tinoyedza kubatsirana sekugona kwedu. Chakafukidza Dzimba Matenga: Mugovera/Saturday: 8pm-11pm GMT
One thought on “Chakafukidza Dzimba Matenga”
Ndkumbirawo kuti ndive neruzivo rwekukuti ndowana sei rubatsiro kubva kuchirongwa ichi.
Nemhuri rangu dambudziko nderekuti mukadzi wangu haanzwi ma feelings ekuda bonde zvekuti pa 6 years dzatavetose haamboti huya tirare tose uye anoteta kuti ndimubate nhengo yake asi iye anondida ave nenguva inokwana 8 months asina kumbo tundra chero ndikaedza zvose zvinoitwa mukadzi pabonde.